Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Vanhu Vanodarika Mamiriyoni Manomwe muMaruwa neMaguta Vanoda Rubatsiro rweChikafu


Vagari vekumaruwa vakawanda vanonzi vari kuda rubatsiro rwechikafu.
Vagari vekumaruwa vakawanda vanonzi vari kuda rubatsiro rwechikafu.

Hurumende inoti vanhu mamiriyoni matanhatu vari kumaruwa vanoda rubatsiro rwechikafu nechimbichimbi, panguva iyo varimi vegorosi vakawanda vemunyika vari kuchema kuti havasati vabhadharwa mari dzavo dzegorosi ravakaendesa kuGrain Marketing Board-GMB izvo zvichaita kuti varime ndima diki dzegorosi remuchando mwaka uno, uyo wave kutopera.

Vachitaura nevamwe varimi kuChinhoyi nezuro, gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka VaMasuka vakabvuma kekutanga kuti vanhu vanosvika mamiriyoni matanhatu kana kuti 6 million pamamiriyoni mapfumbamwe kana kuti 9.2 million vari kumaruwa vanoda ruyamuro rwezvekudya kubva iye zvino kusvika gore rinouya muna Kurume.

“Iye zvino tave kuziva kuti vanhu mamiriyoni matanhatu kubva pavanhu mamiriyoni mapfumbamwe vari kumaruwa vanoda ruyamuro rwezvekudya kubva iyezvino kusvika gore rinouya muna Kurume” VaMasuka vanotsanangura.

Vakati vamwe miriyoni imwechete nemazana masere kana kuti 1.8 million vanoda ruyamuro rwezvekudya mumaguta nemadhorobha, vakavimbisa kuti hurumende ichatsvaka mametiriki tani zviuru mazana manomwe nemakumi matatu nezviviri kana kuti 732 000 metric tonnes zvechibage kuti vanhu ava vakwane.

Ukuwo, varimi vegorosi vari kutarisirwa kurima mahekiteya anosvika zviuru zana nemakumi maviri, kana kuti 120 000 hectares, izvo vanoti hazvisi kuzokwanisika nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kusapihwa mari dzavo dzegorosi ravakaendesa dzisati dzabhadharwa, mvura yekudiridzisa shoma iri mumadhamu, kubiwa pamwe nekufa kwepombi dzemadiridziro uye kushaikwa kwemagetsi nguva dzose.

Varimi ava vanoti chinoshamisa ndechekuti matambudziko aya haasi matsva asi hurumende iri kutadza kuagadzirisa.

Murimi wegorosi, VaRichard Ziki
Murimi wegorosi, VaRichard Ziki

Murimi ane mukurumbira munyika, VaRichard Ziki, avo vanorima vari kuMhangura mudunhu reMashonaland West, vanoti varimi vakawanda kusanganisira naivo vachatadza kurima nzvimbo yavanga vakatarisira nekuda kwemvura shoma uye nekushaikwa kwemagetsi.

“Madhamu haana kunyatsozara uye mvura yekutora pasi yakadzika izvo zvichaita kuti varimi vatadze kurima ndima dzavanga vachitarisira” VaZiki vanotsanangura.

Mumwe murimi wekuMazowe mudunhu reMashonaland Central, VaTrust Mudzimuirema, avo vanorima gorosi, vanoti michina yemadiridziro yasakara zvakanyanya uye kuigadzirisa zvinodhura sezvo vachibhadharwa mari shomapazvirimwa zvavanenge vatengesa iyo inononoka kuuya.

“Mapaipi atiri kushandisa asakara izvo zvinotora mari yakawanda kugadzirisa kana yafa” VaMudzimuirema vanotsanangura.

Mumwe murimi wekuHurungwe mudunhu reMashonaland West, VaNgazimbi Ngokodo, vanoti midziyo yemadiridziro iri kubiwa kana kutanhaurwa zvimwe zvekuti yakawanda yacho haichashanda uye inogara ichingofa.

“Dambudziko redu hombe rave rekubirwa mapaipi nezvimwe zviri pamapombi emadiridziro” VaNgokodo vanotsinhiri.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Farmers Union -ZFU, VaPaul Zakariya, vanobvuma kuti varimi vakawanda havasati vabhadharwa, vachiti kusabhadharwa nenguva kunodzosera hurongwa hwekurima kumashure uye kuwisira bhizinisi rekurima pasi.

“Kurima ibhizinisi nekudaro murimi anofanirwa kubhadharwa nenguva kuti akwanise kugadzirira kudzokera kumunda mwaka unotevera”VaZachariah vanotsanangura.

Gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka.
Gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka.

Gurukota rezvekurima VaMasuka vakabvuma pavaitaura nevamwe varimi kuHurungwe, Chinhoyi neBanket nezuro kuti varimi vakawanda havasati vabhadharwa mari dzavo dzinodarika madhora ekuAmerica mamiriyoni makumi matatu nemana kana kuti US$34 million pamwe nemari itsva yeZimbabwe Gold inoita zviuru mazana maviri nemakumi mashanu kana kuti 250 000ZiG.

“Parizvino tinofanirwa kupa varimi mari inosvika mamiriyoni makumi matatu nemana”VaMasuka vanozivisa.

Asi VaMasuka vakavimbisa kuti varimi vachabhadharwa mukati memasvondo maviri ari kutevera kunyange vakambovimbisa zvakare munguva pfupi yadarika kuti yaizobhadhara varimi musi wa 30 Kubvumbi usati wasvika asi yakazotadza kuzadzisa vimbiso iyi.

Munda wegorosi kuMashonaland West.
Munda wegorosi kuMashonaland West.

Varimi vegorosi vari kutarisirwa kuwana mametiriki tani anosvika zviuru mazana matanhatu kana kuti 600 000 metric tonnes gore rino kubva pamametiriki tani zviuru mazana mana nemakumi matanhatu ane zvinomwe kana kuti 467 000 metric tonnes dzakawanikwa mwaka wapera.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzekurima dzakaita saVa Edmore Mazarure dzinoti zvinongove zviroto nekuda kwematambudziko ari kusangana nevarimi munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG